Doro
Doro (Beer) chinwiwa chinogadzirwa nokuviriswa kwezvirimwa kuchishandiswa mbiriso. Doro rinodhaka kana rikanwiwa rakawanda uye harina kunaka kuhutano kana richinwiwa rakawandisa.
Mamwe mazita edoro anonzi hwahwa, mhamba, mupeta. MuZimbabwe doro rinogadzirwa neNational Breweries uyeAfdis.
Kubatwa nedoro [chinja]
Kune matanho akasiyana ekubatwa nedoro zvichienderana nehuwandu uye mhando yedoro ranwiwa, uye vanhu vanodhakwa nehuwandu hwedoro hwakasiyana.
Kana munhu anwa doro anotanga kudhakwa doro richinge rawanda mumuviri. Kudhakwa kazhinji kunoonekwa nematauriro anenge oita munhu imwe nguva nyadzi dzapera otaura zvinhu asingawanzo kutaura kana doro risati ramubata.
Vamwe vatauri vanoti kudzandiwa vachireva kudhakwa asi pano tichati kudzandiwa kunodarika kudhakwa. Apa doro rinenge rabata muviri nepfungwa dzomunhu zvinodarika mwero wekunzi kudhakwa. Apa munhu anenge asisagone zvinhu zviri nyore sokufamba kana kumira.
Vamwewo vanoti kukorewa nedoro; asi pano tichati kukorewa doro rinenge rabata zvinodarika kudhaka nokudzandiwa. Apa doro rinenge romurwarisa munhu nokuwanda kwaro - iyi ndiyo inonzi intoxication kuEnglish.