Ijipita

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuEgypt)
Egypt
Arab Republic of Egypt

Nasifla Presifla
Mitauro yekuMatare: Chiarabhu
Guta Guru: Cairo
Nharaunda: 1.002.450 km²
Hugari hweVanhu: 79.089.650 (2009)
I TLD: .eg
Ijipita

Khemeti (kureva Egypt, Chiarabhu: مِصر, Miṣr) Gipita kana Ijipita sokutodza Chigiriki, nyika yeziwumbe reAfurika yakagadzwa kuMawodzanyemba-Mabvazuva eziwumbe, uyezve panzvimbo yayiri ndipo panosangana ziwumbe reAfurika neziwumbe reEzhiya. Nyika iyi inozivikanwa nematumba akavigwa madzimambo vainzi vana Pharaoh muBhaibheri.

Ijipita ine huwandu hweVanhu 100 miriyoni, uye guta huru rayo rinonzi Cairo (Kairo kana richinyorwa muChishona). Kairo nderimwe guta guru pasirose (rine huwandu hwevanhu hwunodarika 9 miriyoni).

Inyika inozivikanwa nekuda kwenhoroondo yakakura pasirorse.

Vanhu vekuIjipita vanonzi Vagipita uye munhu mumwechete anonzi Mugipita/Mgipita.

Zita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ijipita (kana Khemeti) inemazita akasiyana, mazuva anhasi vamwe vanoiti Egypt uye vamwe vachiti Msir, kunyagwe Vaswahili vanoti Msiri, variko vamwe noti Miziraimu futi.

Kudhara zita rayo raive Kmt, kureva Kemet kana Khemet, inganyorwa zve sa Kemut uye Khemut kureva kuti "Nyika ye Vatema", tichitodza chirevo paChishona inenge ichinzi Vutema kana Vunhema uyezve Vudema. Pachivanhu chedu chivakashure /Vu-/ anoshandiswa kureva /nyika yeVa-/ sokudhara Vukaranga (land of the Karanga), Vavhenda futi vaiti Vhukaranga uye Vakalanga vaiti Bukalanga.

Paruvambamavambo zvinonzi Kemet (iyo Khem) yakafana na Hamu mukororo wa Nowa. Vakororo vaNowa vaive nesimba huru vaive Hamu na Kushi uye Miziraimu. Mu Chigiriki Miziraimu i Ijipira, uye Kushi i Itopiya. Afurika yainzi Vuhamu/Vuhama, kureva (Nyika ya Hamu). Khemeti/Ijipita ne Itopiya ndidzo nyika dzaive huru muchikare munhoroondo ye Afurika munguva idzi. Vamwe vanotenda kuti Itopiya (Kushi) yaisanganisa Peninzura ye Vuarabhu - zvinooneka nokufanana kwevanhu vatema veVuarabhu ne Vanhu veItopiya (kana Vaarabhu vatema - vasingataugwi nezvavo pakazhinji).

Kunyangwe Varemba vanonzi vakabva kuYemeni, uyezve Vasena futi, pamusoro pezvo Mambokadzi Sheba vaive mutema vaitonga nzvimbo yaisanganisa Maodzanyemba e Afurika ne Peninzura ye Vuarabhu, uye zvinonzi Mambo Soromoni vaive mutema zve uye vakoora mudzimai werudzi rwechiKushi (Muitopiya), uye mwanakomana wavo akagara muItopiya (Kushi).

Nhoroondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kare[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vavambi ve Kem (kana Chema, Khem) vaive vatema veuzuru hwe Nairi. KHEM yaisanganisa uzuru we nairi (Sudhani) uye kutsi kwe nairi (Khemeti/Ijipita ya nhasi). Ndivo vanhu vakavaka mapiramidhi, kwete varanda vechiJudha, ndikosaka muchiona nhasi kuti mapiramidhi mazhinji anowanikwa muSudhani kwete Ijipita (Khemeti).

Khemeti yakazotogwa naVahiti (Hittites) vaisave vatema, vakatora chinamato uye vakadana nyika kuti Mizraim (Miziraimu). Kune vanhu vanoti Khemeti yakadanwa kutodza ruvara rwevhu kwete vanhu, asi hazvisi zvo, ndiko saka Vahiti vakashandura zita nokuti ivo vaisave vagandatema. Zita rokuti Egypt rakavuya neVagiriki, iro rinorevawo kuti Vutema (Nyika ye Vatema). Izvi zvinotaugwa mubhaibheri wo futi, kuti mushure mekuwana kwokugara muKhemeti ruhlanga (dhinasti) rutsva rwakasiyana nerwokudhara ndirwo rwakaita Vajudha kuti vave varanda (tarisai N'wadhi ra Kubuda (kana Ekisodho)). Vajudha vaigarisana neVakhemeti (vaIjipita) vokudhara pakauya Yosefa akakudzwa na Farao, uyo mutema weKhemeti (Ijipita), asi pakazovuya vamwe vatongi, avo vatsvuku verudzi rwe Chihiti, vaisaziva kukudzwa kweVajudha naFarao vokudhara, ndikokubva varandarisa Vajudha.

Nhasi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vaijipita vanhasi vanozviti Vaarabhu, uye senge mabwami dzekare saVahiti, Varoma, kunyangwe Vangezi na Vasalama vanozama kufukidza tsika ne nhu ye mabwami ekare uye vavaki vachona, kunyangwe rudzi rwe vanhu vekare. Ruzhinji rwe vanhu pasirose havazivi kuti Sudhani ine mapiramidhi akawanda kudarika Ijipita (Khemeti).

Taranyika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ijipiti yakaganhwa pedyo nebhahari kusvika kuMedhiteraniya, Izirayeru, zoni remukondo yeParestini, Gofo reSuez, Gofo reAqaba, Bhahari tsvuku, Sudhani ne Ribhiya. Chiwumbiko chenyoka yakaita kakufanana negonyoina sambambiri (trapeze).

Mitauro ye Khemeti[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Utemabanze we Rudhende rweVuarabhu rweSaharawiSomarirandi

Mavuso anozivikanwa zvishoma

(Speini) Canary Islands / Ceuta / Melilla • (Putugaro) Madeira • (Furanzi) Mayotte / Réunion • (United Kingdom) Saint Helena / Ascension Island / Tristan da CunhaSahara ye Madokero

Zvisi ne Materitori ekunze