Dindingwe

Kubva Wikipedia

Dindingwe (cheetah) imhuka yemusango iri mumhuri yemangoi uye ichiwanikwa muziwumbe reAfrica neAsia. Dindingwe ndiyo yoga katsi yesango ine nzwara dzisingadzokere mukati; nokudaro haikwanise kukwira miti yakareba yakamira mutwi kuenda mudenga. Dindingwe rinodheera mapazi ari zasi kwemiti. Hakuna mhuka inomhanya nespidhi unodarika dindingwe; inokwanisa kusvika 110-120km/hr pachinhambwe chidiki chingaita 500m. Dindingwe rinokwanisa kufangura kubva 0-100 km/hr panguva inoita 3 sekondi.

Chimiro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Dindingwe rine dundundu rakadzika uye chiuno chitete. Dindingwe rakura rine huremu hunoita 35-72kg; rinoreba 110-150cm kubva kumusoro kusvika kubesu. Kana richipimwa kureba pamapendekete rinoreba 66-94cm; muskwe unoreba 60-84cm.

Kuberekana[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nzvari dzinoyaruka dzava pamwedzi makumi maviri kuvika makumi maviri ana mana (20-24); hono dzinoyaruka dzasvitsa mwedzi gumi nemiviri (12). Asi ingwe hadzinyanye kutandana dzisati dzasvitsa makore matattu (3); uye kushumira kunoitika chero nguva yegore. Nzvari dzinotsvaka chero ripi dindingwe gono.

Nzvari dzinotakura pamuviri mazuva 90-99 dzichizvara vana vatatu kusvika vashanu. vana ava vane huremu 150-300gram panguva yokuzvarwa. Dindingwe rinozvarwa riiine mavara aro. Vana vanosiyana naamai pamwedzi 13-20 yekuzvarwa. Nzvari dzinoda kugara dzoga dzisingasangane nedzimwe kunze kwenguva iyo dzinenge dziri kurera vana vadzo. Dindingwe rinosvikira kana vanhu kana richinge razvifunga. Panguva iyi ndipo panodzidziswa mwana weingwe zvinhi zvizhinji zvinosanganisira kuvhima.

Kuvhima[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Dindingwe rinodya nyama richivhima kunyanya mhuka ndiki dzine huremu huri pasi pe 40kg. Rinonyanya kutanda mhembwe nemhara. Kana ingwe dzichinge dzavhima dzakawanda dzinotanda ngongoni nembizi zvakare. Handa dzomusango netsuro ndidzo dzimwe mhuka dzinovhimiwa nedindingwe.

Dindingwe rinovhima richironda charaona kwete kutevera hwema. Rinonyangira kusvika 10-30m rotanga kudzinganisa mhuka. Kazhinji-zhinji mhuka inenge yabatwa munguva iri pasi pe minute rimwe. Richinge yakudinka kubata mhuka munguva iyoyi dindingwe rinokasira kurasa moyo. Pachinguva chidiki charinenge radzinganisa mhuka, muviri wedindingwe unenge wopisa zvakanyanya.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tsumo - Dindingwe rinonakwa richakweva rimwe asi kana iro rokwehwa roti mavara azara ivhu".

  • Mukonowengwe izita remhuri dziri muZimbabwe rekuzvirumbidza
  • Mamwe madzishe akare vaishongedzwa nedehwe redindingwe kuratidza hukuru nehumhare hwavo.

Mazita emhuri[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kune mazita emhuri ane chekuita nedindingwe. Mamwe ndiwo anoti: Mukonowengwe, Mutambanengwe, Ngwerume.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]