Chipfuva

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuDundundu)

Chipfuva, diti kana kuti dundundu (chest) chikamu chemuviri chiri pakati pedumbu nemutsipa. Chipfuva chine mbabvu pasi pacho dzakavhara nhengo dzinoti: moyo; mapapu; nedzimwewo.

Mune vamwe varume dundundu rinomera vhudzi; zvakare dundundu rakasimba rine mhasuru chishongo chinodadisa kuvarume. Vamwe varume vanoita shishi rokusimudza simbi dzinorema kuti mhasuru dzedundundu nedzemawoko dzikure dzive chidadiso.

Muvakadzi dundundu ndiro rinomera mazamu. Mazamu zvakare chishongo kumukadzi mutsika dzemarudzi akawanda; mazamu anonzi ayevedze kumurume.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti chipfuva rinoshandiswa kureva a cold kana chidzihwa.

  • Besa (a cold in the head).

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chiri mudundu chiri muninga. What is in the chest is (like something) in the cave.
  • Chiri mumwoyo chiri muninga. What is in the heart is (like something) in the heart.

Chirevo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • ... akapfeka chokufuka chakaguma kutsoka nediti rake rakasungwa ngebhande romukore: dressed in a robe reaching down to his feet and with a golden sash around his chest. (Revelation Bhaibheri reChiNdau).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti isifuba (Chest, bosom, breast; Thorax of an animal; chest or lung complaint; tuberculosis, consumption). VaZigula vanoti chifuwa (n. chest) vachireva chipfuva.
  • MaZulu vanoti isifuba (Secret, private affair). Muenzaniso: Yisifuba sakho leso (That is your secret affair). Akanaso isifuba (He cannot keep a secret).
  • Lozi vanoti sifuba (chest) vachireva chipfuva. VaGanda vanoti kifuva (1. chest; 2. the breast; a cough) kureva chipfuva. Maconde vanoti shambembe (n. chest).
  • Maconde vanoti chihuva (chest) kureva chipfuva. VaChewa vanoti tshifua (the chest) kureva chipfuva. VaDigo vanoti mafuwa (cold, chest fever).
  • VaBemba vanoti icifuba (n. chest) vachireva chipfuva. Herero vanoti oty-ari (n. chest of the body) kureva chipfuva.