Ngongoni

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Blue Wildebeest, Ngorongoro.jpg

Ngongoni (Wildebeest in English) imhuka inowanikwa muAfrica iri pamuapanda wedzinoyamwisa. KuMabvazuva kweAfrica ngongoni ndiyo mhuka ine huwandu hwakanyanya pamhuka dzine mumhu muhombe. Rimwe zita rinoshandiswa rinonzi mvumba.

Contents

[chinja] Kuberekana

Mhuru dzengongoni dzinzvarwa panguva imwe chete; chikamu chinosvika 90% chinozvarwa panguva yemasvondo matatu (3). Kuzvarwa mhuru dzkawanda kudai kunoreva kuti tariro yokuti mhuru imwe neimwe inorarama inokura zvichienzaniswa nokunge mhuru yazvarwa kunze kwemasvondo matatu aya. Mushure mokunge mhuru idzi dzazvarwa dzinotanga kutevera ana mai vadzo.

[chinja] Kutama kweNgongoni

Ngongoni dzinozivikanwa nokutama kwadzinoita gore negore dzichitsvaka mafuro matsva. Mhuka idzi dzinovamba rwendo rwekutama mumwedzi waMay naJune apo nzara inomanikidza kuti ngongoni dzitame. Mugore rokunge kusina mafuro, dzinokasira kutama uku dzichitsvaka mafuro manyoro ane chikafu chakarurama.

Zvikara zvinodya ngongoni zvinosanganisira: shumba; dindingwe; bere; mbada negarwe - zvikara izvi zvinoita sezvinofarira nyama yengongoni. Iyo ngongoni ine simba rokuti inolwanisa kukuvadza chero neshumba zvakaipisisa. Mhuka iyi inokwanisa kumhanya kusvika pamurumba we 64 km/hr. MuZimbabwe ngongoni dzinowanikwa dzakawanda kuHwange National Park.

[chinja] Kuberekana

Ngongoni dzinotanda nzvari pakupera kwemwaka wekunaya kwemvura apo mhuka idzi dzinenge dzkasimba. Nguva yokushumira iri pakati paMay naJune, mhuru dzichizozvarwa pakati paJanuary naMarch. Ngongoni dzinotakura pamuviri kwemwedzi minomwe kusvika mipfumbamwe (8-9). Nzvari dzinobindura panguva imwe chete. Zvikwata zvenzvari dzengongoni zvinogara munzvimbo dzinochengetedzwa nemikono. hono dzinodana nzvari nokukuma nokudzvova.

[chinja] Tsika

Ngongoni inodyiwa nyama kuno kuchamhembe kweAfrica, nyama iyi inoitwa chimukuyu. Vanoodya vanoti nyama yenzvari ndiyo nhete pane yemukono.

  • Mvumba imhuka ine simba yokuti inokwanisa kukuvadza shumba. Saka paine kutaura kunoti, "Akarwa semvumba".
Personal tools
Namespaces

Variants
Actions
Banguranyika
Maturuzi
Mimwe Mitauro