Chipembere

Kubva Wikipedia
Chipembere

Chipembere (Rhinoceros in English) zimhuka zihombe remusango rine nyanga pamhuno nemakumbo makobvu. Rimwe zita rechipembere rinonzi nhema. MuAfrica mune marudzi maviri echipembere; kuchamhembe kweAsia kune matatu.

Nhema imhuka huru inokwanisa kusvika 1 tonne pahuremu; ine ganda gobvu rinopimwa kuita 1.5-5cm pakukora kwaro. Mhuka iyi inodya makwenzi zvikurusei mashizha acho; asi kana pasina mashizha inodyawo zvimwe zvine tseta.

Zvikara[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mumasango chikara chikuru chinouraya chipembere ndiye munhu. Mhuru dzachipembere dzinourayiwa neshumba; mbada; dindingwe uye makarwe; mhumhi nemapere. Chipembere chinonwa mvura kurwizi mazuva ose; izvi ndizvo zvinoita kuti chipembere chasanetsa kubayiwa nemakororo anovhima zvokuba.

Vanoba nyanga dzechipembere vanotengesa kuChina uko kune vanotenda kuti nyanga iyi inorapa fever.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Usapedzera mapfumo mukubaya nhema idzo nzou dzichauya. Don't waste spears on stabbing rhinos when elephants (may still) show up.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]