Nzou

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Serengeti Elefantenherde1.jpg

Nzou (elephant in English) zimhuka ziguru-guru rinowanikwa kuZiwumbe reAfrica nereAsia. Nzou ndiyo mhuka hombe hombe pamhuka dzinowanikwa padunhu dzisingagare mumvura. Vamwe vanotaura zita iri vachiti zhou.

Nzou dzinowanikwa muAfrica dzine nyanga; nzou dzinowanikwa kuAsia dzimwe hadzina nyanga. Nzou ndinotakura nhumbu kwemwedzi makumi maviri nemiviri (22). Painozvarwa nzou inenge ine huremu hunosvika 105 kg. Nzou dzinorarama makore 50-70.

Mhuvi inzou isina nyanga.

Tsumo[chinja | edit source]

  • Kuita kwewashaya kuteya nzou neriva.
  • Nzou hairemerwe nenyanga dzayo.
  • Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori.

Mazita emhuri[chinja | edit source]

Kune mazita emhuri ane chekuita nenzou. Mamwe ndiwo anoti: Zhou, Nzou, Chinzou, Samanyanya, Mashambanzou.