Mhumhi
From Wikipedia
Mhumhi (Wild dogs in English) imhuka yemusango inoita kunge imbwa yakapendewa. Mhumhi dzinowanikwa muAfrica chete mumasango asina miti yakawanda.
Mhumhi dzinokura kuita huremu hunosvika 18–36 kg. Pamapendekete dzinoreba kusvika 75cm uye dzakareba 75-140cm kubva kumusoro kusvika kubesu. Mumhi dziri kuchamhembe dzakakura kudarika dziri kuMabvazuva nekumadokero kweAfrica.