Mutauro

Kubva Wikipedia

Mutauro (ku Chingezi: language) kana rurimi hunhu wevanhu unoita vakwanise kutaurirana, uye mutauro unorevawo muenzaniso wezvinoitika. Ruzivo rwakadzama nezvemitauro runonzi ururimi (linguistics). Nyanzvi dzemitauro dzinonzi vanagodobori.

Pane kufungidzirwa kwehuwandu nezvemitauro pasirose yakasiyana-siyana pakati pe5000 ne7000. Nyanzvi dzinofungidzira kuti pakati pemakumi mashanu kubva muzana yemitauro kuchange kuchina zvekuti pakupera kwegore 2100 inenge yaparara.

Mitauro iri kushanduka nekufamba kuri kuita nguva, nemunhoroondo yekushanduka inogona kuvakiridzwa nekuenzaniso nemitauro yemazuva ano. Mitauro inotaurwa nevanhu vakabva kumadzitateguru ane madzinza akafanana vanotaura mhuri ye mitauro yakafanana.

Marudzi anonyanyotaurwa anosanganisira mitauro yeChiindo-Yuropu (neChirungu neChispanishi), mitauro yeChisino-Tibheti (neChimandarini, Chikandonisi), mitauro yeChiafurika-Ezhiya (neChiarabhu, Chiamhari, Chisomari, neChihebheru), nemitauro yeChibantu (neChiswahiri, Chizulu, Chishona).

Tsananguro ye mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mashoko aripazasi ndiwo anoshandiswa kutsanangura zvemaumbirwo omutauro.

Chishona Chirungu
Mutauronyina dialect
bumbiro remabhi alphabet
(chi)dudzirachiito adverb
chiitirwa object
chiito verb
chirevo sentence, clause
chisazita pronoun
chivakamberi suffix
chivakashure prefix
donzo rechiito mood
donzo rechishuwo subjunctive mood
hwidzazwi high tone
izwi rokutapa loan word
izwifanana, fananadudziro synonym
kwarakabva (izwi) etymology
maumbirwo (omutauro) grammar, structure of the language
muiti subject
ndevohuru main clause
nguva (yechiitiko) tense
nguva ichangopfuura recent past tense
nguva ichauya future tense
nyaudzira, vara syllable
rudzi word class
ushoma singular
uwanda, uzhinji plural
varamai, nzvanyira consonant
varamwana, nzvovera vowel
zita noun

Umbamutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tarisafuti Umbamutauro

Constructed language kana Conlang mutauro une ruambainzwi (phonology), maumbirwo, uye mazwi, pachinzvimbo chekukudziridza zvakasikwa, zvine hungwaru zvakaumbwa kana kugadzirwa sebasa rekunyepedzera. Mitauro yakaumbwa inogona zvakare kutaurwa semitauro yekunyepedzera, mitauro yakarongwa kana mitauro yakaumbwa[1] uye mune dzimwe nguva, mitauro yekunyepedzera.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaGanda vanoti olulimi (language) kureva rurimi. VaKongo vanoti ndinga (language) kureva mutauro.
  • VaBukusu vanoti chiindomo (languages, dialects) kureva mutauro kana muyambonyina.
  • VaNgala vanoti lokota (language) kureva mutauro. VaShambala vanoti mbuli (n. language).
  • VaGanda vanoti bigambo (language) kureva mutauro. VaIkizu vanoti ikigambu (n. speech; language).
  • Lugha (n. language). SOkuti Atlas ya lugha za Tanzania (Atlas of the languages of Tanzania.

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. "Ishtar for Belgium to Belgrade". European Broadcasting Union. Retrieved 19 May 2013.