Clement Doke
From Wikipedia
Clement Martyn Doke (1893 - 1980) vaive mazvikokota wezvemitauro yenyika dzevatema dzemu Afurika vari mugari wenyika yeku Chamhembe kwe Afurika, nyika yeJoni. VaDoke vaive munyori mukuru wezvinyogwa zvakawanda zvinosanganisira ma Duramahwi emarudzi akawanda evatema ne Nhoroondo dzechinyakare dzemitauro yavatema vemuAfurika. Vainyora zvinyogwa zvavo zvese izvi vari mushandi wechikoro chikuru chedzidzo che Witwatersrand kubva mugore ra 1923 kusvikira mugore ra 1953. VaDoke vakava mazvikokota wemitauro yemu Afurika wokutanga kukanda pasi mavonero nenzira dzemaongororo emitauro anoenderana nemafungiro evarungu voku Yuropu.