Chanza

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
LeftHand 2.png


Chanza (palm in english) ndicho chikamu cheruwoko chatinobata nacho zvinhu chine minwe. Vamwe vatauri vanoti chahwo.

Mazita eminwe [chinja]

Chara (thumb) ndiwo munwe mupfupi mukobvu unopfumbana nemimwe minwe yose. Kana munhu akabata mupinyi webadza, chara chinopoterera nedivi racho chega. Chara chinshandiswa kutswanya sekutaura kwetsumo inoti: Chara chimwe hachitswanyi inda.

Munongedzi kana kuti Mutendeki (index or pointing finger) ndicho chigunwe chinotevedzana nechara chinova ndicho chinoshandiswa kunongedza.

Mudapakati ndiwo munwe uri pakati pechanza wakareba kudarika mimwe minwe yose.

Kasiyanwa (pinky finger) ndiwo munwe mudukusa uri kune rimwe divi rakapesana nechara. Kukwenya munho nekasiyanwa kunotaurwa apo munhu anenge achiita tarisiro rokuti ave nerombo rakanaka pane chaakamirira kuti chiitike.


Tsika [chinja]

  • Rinzai manja nemhururu. Apa kureva kuti womberai mawoko.
  • Kana munhu achishandisa tsvanza kubata-bata, achitsvaka kuti ofamba nepapi murima sezvinoita bofu anonzi ari kutsvanzadzira. Pahuwandu chanza kunenge kwonzi tsvanza.