Ruwoko

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Arm flex supinate.jpg

Ruwoko (arm in English) ndiyo nhengo inobuda kubva pamutumbi wemunhu yatinotakura nayo zvinhu.

Tsika[chinja | edit source]

  • Chinopa mawoko; muromo haupi.
  • Ane ruwoko rwekurima mbambaira.
  • Ane ruwoko - kureva kuti anoba.
  • Ane ruwoko rwegudo - kureva kuti anonyanya kurova vana.

Kupeta mawoko[chinja | edit source]

  • Kugumbatira zvinoreva kupeta mawoko akabata mapendekete - rudyi ruchibata kuruboshwe, ruboshwe ruchinobata bendekete rorudyi.
  • Kupfumbatira zvinoreva kubata chinhu wakavharira muchanza.
  • Kufunyisa zvinoreva kupeta mawoko akabata pachipfuva.
  • Kubungatira kana kufungatira zvinoreva kupeta mawoko akabatana pachawo - kana kunge wakabata chinhu iwo mawowko akarongeka nenzira iyoyi.