Chanza

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKutsvanzadzira)

Chanza (Nge. Hand) Chazha kana Chanja ndicho chikamu cheruwoko chatinobata nacho zvinhu chine minwe. Pahuwandu toti tsvanza, zvanza kana manja.

  • Chao (palm of hand).

Mazita eminwe[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chara (thumb) ndiwo munwe mupfupi mukobvu unopfumbana nemimwe minwe yose. Kana munhu akabata mupinyi webadza, chara chinopoterera nedivi racho chega. Chara chinshandiswa kutswanya sekutaura kwetsumo inoti: Chara chimwe hachitswanyi inda.

  • Munongedzi kana kuti Mutendeki (index or pointing finger) ndicho chigunwe chinotevedzana nechara chinova ndicho chinoshandiswa kunongedza.
  • Mudapakati ndiwo munwe uri pakati pechanza wakareba kudarika mimwe minwe yose.
  • Kasiyanwa (pinky finger) ndiwo munwe mudukusa uri kune rimwe divi rakapesana nechara. Kukwenya munho nekasiyanwa kunotaurwa apo munhu anenge achiita tarisiro rokuti ave nerombo rakanaka pane chaakamirira kuti chiitike.
  • Kutsvanzadzira zvinoreva kutsvaka kwokufamba nako uchibata-bata nemawoko zvikurusei murima. Vamwe vanoti kubumbuzira kana kubamadzira??.
  • Rupi (the flat of the hand, the palm). Pakuwanda kwonzi ndupi. Kurova nendupi kurova mbama.
  • Kutsinza (to give something, to put something into the hand).
  • Kubamura (smack or hit hard with the palm of the hand).

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ridzai manja nemhururu. Apa kureva kuti womberai mawoko.
  • Kana munhu achishandisa tsvanza kubata-bata, achitsvaka kuti ofamba nepapi murima sezvinoita bofu anonzi ari kutsvanzadzira. Pahuwandu chanza kunenge kwonzi tsvanza.
  • Akanokorera hanzvadzi take rwanza rwumwe rwenzungu dzakakangwa ndokuisa mumbiya yaiva patafura. Apa rwanza rwenzungu kuchirehwa chanza chizere nenzungu - a handful of peanuts
  • Tsama, chitsama, dzama (a handful, a moderate amount) kureva zvinozara muchanza kana zvine mwero wepakati.
  • Kudzamura kana kutsamura (take a handful) kutora chanza chizere.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]