Badza

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Badza (hoe in English) mudziyo kana kuti turuzi rinoshandiswa kutimba, kuchera nekusakura. Badza rine mupinyi kana kuti mubato wakareba zviri pakati pe 0.5-1.0m; kune rimwe divi rebadza kunenge kune gwati resimbi rinopfekerwako rakachinjikana nemupinyi. Gwati resimbi iri ndiro rinotemeswa pasi kana kuchiitwa mabasa ekuchera, kutimba kana kusakura.

Mhando dzemapadza dinosanganisira: chikuruwo, chifengu.

Chikuruwo zvinoreva badza rasakara rapera gwati resimbi racho rinochera. Aka kanodanwa zvakare kuti kakuruwo kana kuti kaserima.

Munhu ari kusakura nebadza.

Tsika[chinja | edit source]

MuZimbabwe mune mazita emhuri ane chekuita nebadza anosanganisira: Badza, Nyabadza, Badzarigere, Chikuruwo, Serima.