Ruwoko

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMawoko)

Ruwoko (arm in English) ndiyo nhengo inobuda kubva pamutumbi wemunhu yatinotakura nayo zvinhu.

  • Nyara (hands) apa kureva mawoko kururimi rweChiNdau. Paumwe nepakuwanda tinoti nyara.
  • Ruchechete (collar bone).
  • Kumbandidza (Grip firmly) Akati musika webadza mbandi nembato: he gripped the spike-head of the hoe with the tongs.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chinopa mawoko; muromo haupi.
  • Ane ruwoko rwekurima mbambaira.
  • Ane ruwoko - kureva kuti anoba.
  • Ane ruwoko rwegudo - kureva kuti anonyanya kurova vana.
  • Vairima nechibhakera: they used to turn the soil by hand (i.e using hoe). Shoko iri ringagona kushandiswa kuturikira inonzi manual or manually kuEnglish. Vamwe vatauri vanoti huri kana tsiva kureva chibhakera.
  • Miruka, umirudze murumbwana, umutengure munyara dzako; ngokuti ndinozomuita dzinza guru.: Get up, lift the boy up, and hold him tightly in your hand, because I am going to make him a great nation (Genesis 21:18 Bhaibheri reChiNdau).

Kupeta mawoko[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kugumbatira kana kugumbata (clasp hands across chest) zvinoreva kupeta mawoko akabata mapendekete - rudyi ruchibata kuruboshwe, ruboshwe ruchinobata bendekete rorudyi.????
  • Kupfumbatira zvinoreva kubata chinhu wakavharira muchanza.
  • Kufunyisa zvinoreva kupeta mawoko akabata pachipfuva.
  • Kufungatira (to embrace).
  • Kubungatira kana kufungatira zvinoreva kupeta mawoko akabatana pachawo - kana kunge wakabata chinhu iwo mawowko akarongeka nenzira iyoyi.
  • Kutambanura (hold out hand) zvichireva kutambanudza ruwoko ruchiunzwa pamberi, pemunhu.
  • Hwenze (back between shoulders) akatakura mwana pahwenze pake.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]