Zai

Kubva Wikipedia

Zai (kureva egg) kana zanda, chidemhe chinotakura mwana nechikafu chemwana mumhuka dzinokandira mazai dzinoti: shiri; garwe; rwavhi ndezimwewo.

Pakati pezai rehuku pane mondo, chapfudu kana kuti tsinda (yolk) ine ruvara rwe yellow. Madimbu

  • Gekenya kana kuti makekenya (1. Egg-shell. 2. Scale of fish) apa kureva gwande kana gwati rezai. Vamwe vanoti demhe kana kuti deko.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Regai dzive shiri mazai haana muto. Apa kureva kuti zvimwe zvinhu zvinoda kuregwa zvikure kusvika pazvichatanga kuberekawo, sehuku ichazokandira mazai pakupedzesera igozodyiwa nyama.
  • Wadya zai wadya nhiyo yacho. One who eats the egg also eats the chick.
  • Doonya mazai matatu ukange mupoto iri pachoto. Kudoonya zvinoreva kuvhura zai nenzira yekurirovanisa zvishomane nechipunu, foko, banga kana mumwe mudziyo.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaChewa vanoti zira kana mazira (an egg) or eggs. Barotse vanoti lwenge (n. white of an egg). VaWabo vanoti nzayi (n. egg) kureva zai.
  • Venda vanoti gumba kana makumba (n. egg) kureva zai. Kimbundu vanoti ukundu (n. yellow; the egg yolk).
  • Nyungwe vanoti mnenga (n. egg yolk) kureva mondo. Maconde vanoti shitima (n. egg yolk) kureva mondo.
  • Kikuyu vanoti matumbi kureva mazai. Kiembu vanoti makome kureva mazai. Kimenti vanoti nkara kureva mazai.
  • Sangho inoti dapara (n. egg pocket; ovary). Mamwe mazwi: para (n. egg) kureva zai. Shilluk inoti tono (n. egg).