Zai
Jump to navigation
Jump to search
Zai (Egg in English) chidemhe chinotakura mwana nechikafu chemwana mumhuka dzinokandira mazai dzinoti: shiri; garwe; rwavhi ndezimwewo.
Pakati pezai rehuku pane mondo, chapfudu kana kuti tsinda (yolk) ine ruvara rwe yellow. Madimbu
- Gekenya kana kuti makekenya (1. Egg-shell. 2. Scale of fish) apa kureva gwande kana gwati rezai. Vamwe vanoti demhe kana kuti deko.
Tsumo[chinja | edit source]
- Regai dzive shiri mazai haana muto. Apa kureva kuti vimwe vinhu vinoda kuregwa zvikure kusvika pazvichatanga kuberekawo, sehuku ichazokandira mazai pakupedzesera igozodyiwa nyama.
- Wadya zai wadya nhiyo yacho. One who eats the egg also eats the chick.
- Doonya mazai matatu ukange mupoto iri pachoto. Kudoonya zvinoreva kuvhura zai nenzira yekurirovanisa zvishomane nechipunu, foko, banga kana mumwe mudziyo.