Vakuhane

Kubva Wikipedia

Vakuhane kana Vasubiya (vanozviti Veekuhane) uye mutauro wavo unonzi Chiikuhane (Shamukuni, 1972; Masule, 1995; Ramsay, 2002; Denkler, 2008; Ndana, 2011). Chiikuhane kana Chisubiya mutauro wakaiswa pasi pe Zoni K.40 yemitauro ye chibantu; mutauro wekuchamhembe kweVutswana, Caprivi Strip, Namibhiya neMadokero eZambia kusvika kuVictoria Falls (Guthrie, 1967–1971). Baumbach (1997:337) akaitsanangura se "Zoni k42 ye mutauro weChibantu". Torrend (1931), Shamukuni (1972), na Colson (1996) vakaronga mutauro weChiikuhane pasi peboka reBantu Botatwe; zvichiratidza kuti mutauro uyu une hukama neChitonga chekuMadokero kuZambia uye mumwe wemitauro yekutanga ye Zambezi inotendwa kuti yakasvika panguva yeZera re Utare. Bantu Botatwe vanogovera mudzi wakasiyana - tatwe wevatatu (Bostoen, 2009). Vanosanganisira Vakuhane (Vasubiya), Vatonga, Vatoka, Valeya, Vafwe, Vatwa, Vashanjo, Vatotela, Vaila ne Valenje (Bostoen, 2009). MuKapurivhi, Chiikuhane chakakamurwa pamwe chete naChifwe, Chitotela ne Chimbalangwe seboka rimwe remitauro (Elderkin, 1998). Mutauro weSubiya une bhuku regirama rakazara uye bhuku rine ngano, mashura nenziyo dzakanyorwa muChifuranzi neChiikuhane muna 1896 na1899 zvakateerana, nemumishinari weChifuranzi Edouard Jacottet. Mutauro we Chiikuhane unewo chifananidzo chakakwana chegirama chakanyorwa muChingezi ne Chiikuhane kuma1960 naDaniel Matengu Shamukuni.

Zvirevo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chobe ishoko reChiikuhane rinowanikwa muNgano dze Vakuhane dzakanyorwa muna 1896 rinotaura nezve makunakuna kana munyama (malweeza) nekuda kwemakunakuna akaitika mudondo rerwizi.
  • Munitenge ishoko reChiikuhane rinoreva kuti Mambo/She/Kgosi
  • Moolyi ishoko reChiikuhane rinoreva kuMambokadzi
  • Mukwaye ishoko reChiikuhane rinoreva kuti Mamoyo/Muchandakadzi kureva Mwanasikanawambo
  • Iteenge ishoko reChiikuhane rakadanwa kutevera nyika inopoteredza bhesini re Zambezi-chobe; inosanganisa District ye Chobe muVutswana,

Jereveza re Kapurivhi muNamibhiya uye District re Sesheke re Zambia

  • Ikuhane izita re Rwizi Chobe
  • Lyaambayi izita reChiikuhane reRwizi Zambezi
  • Simwiine izita reChiikuhane rinoreva kuti Ishe

Anthem ye Vakuhane[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ireeza uhaza inkaanda yeetu!

 Vusimwiine vweetu katuvuzivalyi.

Mukungane muvoonse,

 Invula isoke!

Munu munkaanda yeetu,

 Yo vwi-Kuhane.

Chi-kota cha Kavimba!

 m.m.m.m.m.h........

Chi-kota chipalyite!

 Keeti niva chiwoolye munu mwa Chobe,

Mbwiita Maiba uzu chinaatusiya.

MuChishona

Mwari komborerai nyika yedu,

 Pamwechete neVatungamiri vedu

Muve vakabatana,

 Kuti pave nemvura....

Munyika ye Vukuhane.

 Chigarochoumambo muKavimba!

m.m.m.m.h........

 Chigarochoumambo chakasimba.

Hapana vari muChobe vanoi svodogora,

 Kusvika Maiba yadaruka.