Gwamba reKudzimurira

From Wikipedia
(Redirected from Unyanzvi wezvinoitika)
Jump to navigation Jump to search
Gwamba reKudzimurira runosvitsa shoko kuVanunuri nana Madzimamoto (Vigilant VM-1).

Gwamba reKudzimurira (control panel) zvinoreva zvinoti:

Takanangana nekushanda kwana munjeredzi (engineers), Gwamba reKudzimurira zvinoreva nzvimbo ine rufendu, rwakasungirirwa zvombo zvinodzimurira mashandiro panzvimbo kuburikidza nekugamuchidzana kwemirayiro nemashoko pakati pemichina, Gwamba reKudzimurira, nemubishi. Gwamba reKudzimurira rinowanikwa pakushanda kunoitwa mumafekitori, mungarava nemundege.

Moto ukatanga kubvira uchipisa chivakwa chakadai semba kana fekitori, Gwamba reKudzimurira rwezvemoto runobatsira kuti vana madzimamoto vazive kuti moto watangira papi. Unyanzvi hwakare hwakange hwakabatanidzwa nemabhatani ekusunda, asi nhasi uno kwave nezvekutinya zvirinyore (touchscreen).

Takatarisana nekushandiswa kwemakombiyuta, Gwamba reKudzimurira zvinoreva gwamba rinokumbanidza dandira rinobishidza kombiyuta (operating system) - apa ndipo pane njere dzekombiyuta dzinoita kuti mashandisirwo ashanduke kuburikidza nekurayana mashoko pajingazviso (interface) remuchina nemubishi.

Izwi rokuti kudzimurira riri kuturikira inonzi control kuEnglish. Tingataura tichiti - imi vari mberi dzimurirai mutyairi arege kunyanyomhanyisa bhazi.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

Pachinyorwa chino pane mazawi achaturikirwa sezvizvi:

  • Mubishi kana mubisha (1. Operator, 2. Industrious person) kureva munhu anotyaira kana kushandisa muchina.
  • Mubishingo (1. Operating site, 2. Scene of great work or activity) kureva nzvimbo ine vanhu kana vanhu vane michina vari kuita basa.
  • Mubisho (1. Hard work, 2.Diligence, 3. Utility, 4. Operation) kureva basa rinorema kana rinoda kuchama riri kuitwa panzvimbo.
  • Kubishinga (1. To operate; 2. Work energetically) apa kureva kushanda nemuchina kana kushandisa zvimwe zvombo zvakasarudzika zvinorerutsa basa riripo. Vari kubishinga mabasa kurima. Amai vanobishikoshandira mhuri yavo: a mother works diligently for the family.
  • Rufendu (thin flat object) apa kureva fendefa rakatetepa.
  • Machingano, kana jinga (1. Interface; 2. Common place of meeting or spreading of systems) apa kureva nzvimbo inosangana vanhu (pamwe nenhumbi nezvombo zvavo) vaine chinangwa chakafanana.
  • Kudanda kana kutanda (Stretch from one side of an area to the other e.g. rope).
  • Barivafa (any flat object).

Mifananidzo[chinja | edit source]

.

Gwamba reKudzimurira