Chanza
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuRwanza)
Chanza (Nge. Hand) Chazha kana Chanja ndicho chikamu cheruwoko chatinobata nacho zvinhu chine minwe. Pahuwandu toti tsvanza, zvanza kana manja.
- Chao (palm of hand).
Mazita eminwe
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Chara (thumb) ndiwo munwe mupfupi mukobvu unopfumbana nemimwe minwe yose. Kana munhu akabata mupinyi webadza, chara chinopoterera nedivi racho chega. Chara chinshandiswa kutswanya sekutaura kwetsumo inoti: Chara chimwe hachitswanyi inda.
- Munongedzi kana kuti Mutendeki (index or pointing finger) ndicho chigunwe chinotevedzana nechara chinova ndicho chinoshandiswa kunongedza.
- Mudapakati ndiwo munwe uri pakati pechanza wakareba kudarika mimwe minwe yose.
- Kasiyanwa (pinky finger) ndiwo munwe mudukusa uri kune rimwe divi rakapesana nechara. Kukwenya munho nekasiyanwa kunotaurwa apo munhu anenge achiita tarisiro rokuti ave nerombo rakanaka pane chaakamirira kuti chiitike.
- Kutsvanzadzira zvinoreva kutsvaka kwokufamba nako uchibata-bata nemawoko zvikurusei murima. Vamwe vanoti kubumbuzira kana kubamadzira??.
- Rupi (the flat of the hand, the palm). Pakuwanda kwonzi ndupi. Kurova nendupi kurova mbama.
- Kutsinza (to give something, to put something into the hand).
- Kubamura (smack or hit hard with the palm of the hand).
Tsika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Ridzai manja nemhururu. Apa kureva kuti womberai mawoko.
- Kana munhu achishandisa tsvanza kubata-bata, achitsvaka kuti ofamba nepapi murima sezvinoita bofu anonzi ari kutsvanzadzira. Pahuwandu chanza kunenge kwonzi tsvanza.
- Akanokorera hanzvadzi take rwanza rwumwe rwenzungu dzakakangwa ndokuisa mumbiya yaiva patafura. Apa rwanza rwenzungu kuchirehwa chanza chizere nenzungu - a handful of peanuts
- Tsama, chitsama, dzama (a handful, a moderate amount) kureva zvinozara muchanza kana zvine mwero wepakati.
- Kudzamura kana kutsamura (take a handful) kutora chanza chizere.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaTonga vanoti ijanza kana manza (hand) kureva chanza. Barotse vanoti siata (n. palm of hand) vachireva chanza.
- BaKalanga vanoti chiazha (hand; palm of hand) vachireva chanza. BaKalanga vanoti azha (to help someone) vachireva kubatsira mumwe.
- VaMambwe vanoti cinzanza (the palm of the hand) kureva chanza. VaBemba vanoti cisansa (hand) kureva chanza. Mamwe mazwi: lupi (palm) kureva rupi.
- VaZigula vanoti lugasa kana magasa (n. hands) kureva mawoko. Mamwe mazwi: kutowa magasa kuwombera mawoko.
- VaZigula vanoti ebyala kana ekiganza (n. hand) kureva chanza. Nsenga vanoti lupi (n. palm of hand) kureva rupi.