Pimagonyonhatu

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo Pimanyika, pimagonyonhatu chidzidzo chinoongorora hukama huripo pakati penhambwe dziri pamativi nemagonyo egonyonhatu. Kukura kwakaita gonyo kunodudzwa negovano dzinoti sine, cosine, uye tangent

Govano (ratio) izwi rinoreva hukama huripo pakati penhamba mbiri dzine utandu (dimensions) dzakafanana. Govano inonyorwa seizvi (a:b), izvi zvichitiudza kuti nhamba yechipiri inopinda kangani mune yokutanga.

Rheshiyo dzePimagonyonhatu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ichi chidzidzo chononzi trigonometric ratio kuEnglish. Chidzidzo chino chinotaura pamusoro pehukama huripo pakati penhambwe dziri pamativi nemagonyo egonyonhatu. Chikamu ichi tinoshanda negonyonhatu yemutwi tichidzidza nezve rheshiyo dzinoti tangent, sine uye cosine. Rheshiyo idzi dzinoshandiswa kuti tizive mativi uye magonyo ane hukuru hunenge husinga zivikanwe.

Kuti tipinde muchidzidzo cheRheshiyo dzePimagonyonhatu tinotanga tadudza mazita anopiwa kumativi egonyonhatu. Mativi matatu anopiwa mazita zvichibva pakuti tiri kushanda negonyo ripi regonyonhatu.


  • Divi rakabatana negonyo ratiri kushanda naro rinonzi divi remuny'asi (adjacent kuEnglish),
  • Divi rakatarisana negonyo ratiri kushanda naro rinonzi darisanwa (opposite kuEnglish) ; iri divi rakaita mutwi nehwaro.
  • Divi guru rine nhambwe yakareba kupfura mamwe rinonzi muzendami (hypotenuse) nokuti rinoita sokunge rakazendamiswa rakatsigirwa kuhwaro nedarisanwa.

Sine yegonyo iRheshiyo yenhambwe dzedarisanwa nemuzendami. Sine ine tsazaniso inoti:

Sine = darisanwa/muzendami

Cosine yegonyo iRheshiyo yenhambwe dzedivi remuny'asi nemuzendami. Cosine ine tsazaniso inoti:

Cosine = divi remuny'asi/muzendami

Tangent yegonyo iRheshiyo yenhambwe dzedarisanwa nedivi remuny'asi. Tangent ine tsazaniso inoti:

Tangent = darisanwa/divi remuny'asi

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nsenga vanoti paka (v. be adjacent; adjoin) kureva kupakana. Fananidzai nokuti mupaka.