Nyika yakakomberedzwa nematunhu

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuNyika dzakakomberedzwa nematunhu)
Nyika yakakomberedzwa nematunhu

Mashoko ekuti nyika yakakomberedzwa nematunhu (landlocked country) inoreva nyika isina muganhu negungwa iri nyika yakavharirwa nedzimwe nyika kumativi ose isina paino ganhurana negungwa. Somuenzaniso nyika dzinoti: Zimbabwe; Zambia; Malawi; Lesotho neRwanda inyika dzakakomberedzwa nematunhu dzisina kuganhurana negungwa. Asi nyika dzinoti: South Africa, Namibia, Mozambique, Angola dzinoganhurana negungwa saka hadziziri nyika dzakakomberedzwa nematunhu.

Nyika isina kuganhurana negungwa inenge isina mukova unosvikira zvikepe zvinofamba negungwa. Nhumbi zhinji dzinorema dzinofambiswa nezvikepe zvoreva kuti nyika iyi inenge yotobhadhara dzimwe dzakaganhurana negungwa kuti ifambise nhumbi dzinosengwa nezvikepe.