Dandirautande

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Dandirautande (internet kuChirungu zvinotaura mukumbanidzwa weUtande hwemaComputer unobatanidza computer dziri pautande hwakasiyana munzvimbo dzakasiyana Pasirose. Dandirautande rakarongwa nenzira yokuti utande hwakawanda hunokwanisa kunzwanana mutauro, computer dziri pautande hwakasiyana dzichikwanisawo kutumirana mashoko. Nemamwe matauriro tingati dandirautande ringanzi utande weutande. Varidzi veutande hunobatanidzwa padandirautande vanosanganisira: hurumende dzenyika; masangano epovho; masangano akazvimirira; mabhizinisi nezvikoro.

Danditautande riri kushandura mafambiro emashoko nenzira dzave kubatawo zvinhu zvinosanganisira: runhare, mimhanzi; mafirimu netelevision zvinova zvave kushongedzwa kuti zvishande padandirautande. Pari zvino vanhu vave kukwanisa kukurukura kuburikidza nedandirautande, ari panhare achitaura neumwe ari pane imwe nhare kana pacomputer. Vanodhinda mapepanhau, mabhuku, nezvinyorwa zvakatsaukana vave kupinda mukushandisawo dandirautande vachivamba ruvazheutande (website) dzokuti vatengi vanouyapo vachikurukura uye vachiwana nokutenga zvavanoda. Dandirautande ravakugonesa nzira dzitsva dzokuti vanhu vakurukure dzinoti: mashoko pakarepo (instant messaging); hurukuro dzepadandira (internet forums); uye kuzangarara pautande (social networking).

Pfungwa yokuva neDandirautande yakavarurwa nehurumende yeUnited States of America mumwaka wechikumi 1960 apo yaitsvaka nzira tsvene dzokufambisa nadzo mashoko kuchishandiswa computer. Tsvakurudzo iyi yakaitwa vachikutsirana neUnited Kingdom uye France, kwakaumbwa utande hwaipirana mashoko kokutanga asi chirongwa ichi hachina kuburitsa dandirautande panguva iyi. Hapana kubvumirana kuzere kuti dandirautande svinu rakazovepo riinhi asi nyanzvi zhinji dzinorerekera pakuti dandirautande rakasimbiswa mumwaka wechikumi 1980.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

Peji yepaMukova (Home Page kuChirungu) ipeji rinobuda pokutanga pakuvhura ruvazheutande. Kazhinji peji iri rinoratidza misoro yezviripo pachinyorwa ichi.

Kukochanidza (Link, verb) Muchodzanidzo (Link, noun)