Nhangande Rudarikira

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Nhangande Rudarikira (transition elements) imhando yenhangande dzinoti gokerero (shell/orbital) rezasi chakaperevedza (hachina kuzara) asi gokerero rekumucheto riine mhodzigetsi (electrons) dzakakwana. Nhangande rudarikira dzine nhamba dzeatomu dzinoti: 21–29, 39–47, 57–79, uye 89–107. Saka zita rokuti nhangande Rudarikira rinobva pakuti gokerero remukati rakaperevedza asi gokerero rekumucheto rizere. Nickel imhando yenhangande rudarikira.

Mapoka eNhangande Rudarikira[chinja | edit source]

Zvichibva muGold Book ravo veIUPAC vanoti nhangande rudarikira inhangande ine gokerero-D (D-orbital) rakaperevedza pakuverengwa kwemhodzigetsi kana kuti nhangande inobuditsa manondanhuka aine gokerero-D rakaperevedza. Kutsetsenura kweduramazwi iri kunoreva kuti mapoka 3-11 ari pasi penhanhgande rudarikira. Mukutsetsura seizvi IUPAC yakasiya boka-12 kubva mubande renhangande rudarikira - zvoreva kuti zinc, cadmium and mercury dzakasiiwa kunze kwenhangande rudarikira.

Asi vamwe ana mhizhamushonga (chemist) vanochinjanisa zita renhangande dzeDandare-D (D-block) nenhanagande rudarikira, saka ava vanenge vachibatanidzira mapoka 3-12 senhangande rudarikira. Panhambo iyi, nhangande dzeboka 12 dzinobatwa nemutowo wakasarudzika wenhangande rudarikira unotendera kuti mhodzigetsi dzegokerero-D dzisagoverwa pakubhondha kwemitombo.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaChewa vanoti koka (v. encircle, surround) vachireva kukokera. Sokuti: Vakamhanya kunobatsira mumwe wavo akanga akokwa nembwa dzaMatinenga.
  • Mang'anja vanoti kukokera (to sweep around an island as a boat; sweep around - as of a person around an object opposing).
  • MaZulu vanoti isikokela (n. 1. Place surrounded by· a wall or fence. 2. Company).