Ngoro

Kubva Wikipedia

Ngoro (trailer, wagon, cart) zvinoreva chisengero chine mavhiri chinodhonzwa kungava nemombe, madhongi, mabhiza, motokari, chitima kana ngavi yerudzi réuni zvayo.

  • Varimi vansoshandisa ngoro kutakura mbesa kubva kumunda, uye kutakura mbeu, mishonga nefotereza. Chitima chinodhonza ngoro dzinosenga vanhu nanhumbi.
  • Rhori dzinodhonza ngoro dzinosenga nhumbi.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Muimbi Thomas Mapfumo akaimba rwiyo: Chava chamutengure vhiri rengoro.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaTonga vanoti inkoloi (wagon) kureva ngoro.
  • MaZulu vanoti udesibuma (Afrikaans: disselboom - shaft of a wagon) kureva dhazibhomu.
  • Herero inoti e-temba (n. cart, wagon, crib) kureva ngoro.
  • Sangho inoti ngoro (n. perimeter). Mamwe mazwi: ngoro (v. circle; surround; bypass; wrap; around).