Mwami sezita

Kubva Wikipedia

Mwami izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe; Zambia neKenya.

  • Vanhu vane zita iri: Mary Mwami; Juliet Mwami; Mwami Moyo; Mwami Lungu.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Pane tarisiro yekuti mitauro yeAfrika inotodzana mazwi

  • Kinyarwanda inoti umwami (king; lord) vachireva mambo. Mazwi anotodzana: ubwami (kingdom) vachireva humambo.
  • Ila inoti mwami (n. chief) kureva Ishe. Lugwere inoti bwami (chieftainship, position of chieftain) kureva hushe kana chigaro chehushe.
  • Luwanga vanoti omwami (chief; important person; title of respect to men) vachireva Ishe. Kinande vanoti omwami (n. The King).
  • Lenje vanoti mwame (Chief or headman of a village; free man not a slave) vachireva sadunhu, Ishe, munhu asiri muranda.
  • Luganda vanoti omwaami (n. Chief) kureva Ishe.