Muvuki

Kubva Wikipedia

Muvuki (Soothsayer, diviner) munhu anoti anotaura zviri mberi kana zviripo zvino achishanda nenzira yemweya-mweya.

ChiKristu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Shoko raMwari rinorambidza kubvunzira kuvavuki.
  • Akaimba muimbi Charles Charamba akati - Handidani vanodzura, handidani vavuki. Aaaa heee naMwari ndakakwana.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Herero vanoti uuka kana vuka (n. foretell, prognosticating, prophecy) kureva kuvuka. Mamwe mazwi: omuuke kana ombuke (n. foreteller). Oma-uukiro (n. prophecy).
  • MaZulu vanoti buka (v. 1. Look at, gaze at, watch, turn attention upon. 2. Admire) vachireva kutarisa. Mamwe mazwi: Imizi yomibili iyabukana kureva misha miviri yakatarisana.
  • MaZulu vanoti bukisa (1. Cause to look, watch, or admire; draw attention to. 2 Exhibit, show). Muenzaniso: ukubukisa ngemifanekiso (to exhibit pictures).
  • MaZulu vanoti isibuko (Anything used for seeing or looking through or in, as a mirror, spectacles, window). Muenzaniso: amanzi ayisibuko (transparent water).
  • MaZulu vanoti umbukiso (Exhibition, show). Muenzaniso: umbukiso wezinkomo (cattle show).