Mutauro weChiKaranga
Mataridziko
ChiKaranga mutauronyina weChiShona unowanikwa mumatunhu anoti: Masvingo Province neMidlands Province.
Miyenzaniso yeMazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Pasi apa pane mienzaniso yemazwi eChiKaranga. Zvakakosha kuonesana kuti ChiKaranga chinokwanisa kusiyana munzvimbo dzakatsaukana. Sokuti ChiKaranga chinotaurwa kwaGutu hachifanane panazvose neChiKaranga chinotaurwa kuMberengwa.
| ChiZezuru | ChiKaranga |
|---|---|
| mazwi | mahwi |
| kurwara | kugwara |
| mombe | n'ombe |
| kukwata sedza | kutyaka sesadza |
| chikomana | svikomana |
| rwendo | gwendo |
| kunongedza | kutendeka |
| tsoka | shoka |
| nzou | zhou |
| mazhanje | mashuku |
| chivanze | chivazhe |
| nzira | zhira |
| kuona | kuvona |
| kurohwa | kurobwa |
| uswa | vuswa |