Kutambanura (nhamba)

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMutambanuri (nhamba))

Muchidzidzo masvomhu, kutambanura (Exponentiation in English) chiitiko chinonyorwa sezvizvi, bn, chinotora nhamba mbiri, hwaro b ne mutambanuri (kana munongedzo) n. Kana n ari nhamba izere uye ari nhamba yakakura kudarika zero, kutambanura kwakafanana nokupamha kuwanza. Izvi zvinonyorwa sezvizvi:

zvinoda kunofanana ne kuwanza kunova kunodzokorora kukumbanidza:



Kurerutsa Mutauro

Zvakakosha kuti pave nekuturikirwa kwemazwi anoshandiswa kuEnglish kuti kutaura kureruke sezvizvi:

  • 5th power of 10 tinenge toti pawa rechishanu ra gumi.
  • 2 exponent 5 anenge onzi mbiri nomunongedzo shanu.
  • b raised to the power n inoturikirwa ichinzi b achitambanurwa nepawa n.
  • 10 to the third power inonzi gumi kupawa rechitatu.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mukutaura kwemazuva ose kutambanura zvinoreva kurebesa tambo nenzira yokubhedhenura kana kumononora - (uncoil).

Shoko rokuti kutambanura (hold out hand; open out roll) rinoreva kutambanudza ruwoko kana kupetenura chinhu chakapetwa, izvi zvoita kuti hukuru hwacho huwonekwe.

Kutambanura (to stretch out thing that is folded) zvichireva kubhedhenura chiro chakapetwa. Apa zvoreva kuti chinotambanuka hukuru hwacho hunobva hwanatsa kuonekwa.