Murairidzi

Kubva Wikipedia

Murairidzi (Instructor in English) munhu anodzidzisa muchikoro zvikurusei anorairidza vanhu achiratidza maitirwo echiri kudzidziswa chacho. Murairidzi anonyanya kuonekwa pakudzidzisa kwemabasa emawoko kana zvidobi zvemitambo.

Izwi rokuti kurovedza kana kurovedzera rinoshanda kuturikira chinonzi training kuEnglish - apa kureva kurayiridza maitiro ebasa kana mutambo. Saka basic training inoturikirwa kuti kurovedzerwa kwemudzinzwa.

  • Kuzvipingura (to train oneself, use self-discipline, mortify oneself).

Muenzaniso[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Munhu anodzidzisa tsiva anodzidzisa nokuratidza zvidobi zvinoshandiswa patsiva uye kutaura kupa murayiro yezvinotenderwa.
  • Munhu anodzidzisa kutyaira muchovha anorayiridza zvinofanirwa kuitwa pakutyayira uye mirayiro yakasungirwa kuti itevedzwe.
  • Murairidzi wavana mukoti anorairidzawo achitaura mirayiro inofanirwa kutevedzwa pakubata nevarwere.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaLozi vanoti mulaeli (n. someone giving orders, commander) kureva murairi.
  • VaGungu neVaGanda vanoti kutendeka (to train, teach people a particular skill). VaGanda vanoti omutendesi (n. coach).
  • VaGungu vanoti mutendekwa (trainee) kureva mudzidzi. VaGungu vanoti mutendeki kana mutendeke (trainer) vachireva murairidzi.
  • VaTaita vanoti kulela (to train) vachireva kurera mwana?.