Musiyasitu
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuMupunduru)
Musiyasitu (n. Dombeya rotundifolia) rudzi rwemuti unowanikwa muAfrica munyika dzinoti: DRC, Uganda, Kenya, Tanzania, Malawi, Mozambique, Zambia, Zimbabwe, Botswana, Namibia, Eswatini neSouth Africa.
- Mamwe mazita emuti uyu anonzi: mukondotowa, mupunduru, mutohwechuru, mutondokatura nemutongotowa.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Sepedi vanoti mokgopa, kana mogokobu (n. Dombeya rotundifolia) kureva muti wemusiyasitu.
- Venda inoti tshiluvhari (n. Dombeya rotundifolia) kureva muti wemusiyasitu.
- VaTsonga vanoti nyangala kana xiluvarhi (n. Dombeya rotundifolia) kureva muti wemusiyasitu.
- VaLenje neVaLozi vanoti mushitu kana musitu (thick undergrowth, bushes, forest, woodlands, reeds - as in a river) vachireva rusitu.
- Chewa inoti situ (a thicket, jungle). Mamwe mazwi: nsitu (a thicket used as a burial place).
- Kihehe inoti mukangatwe, muto kana mutobo (n. Dombeya rotundifolia) kureva muti wemusiyasitu.