Mukana (nhengo)

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo Chezvipenyu (Biology) mukana, (birth canal) inhengo yesikarudzi yevakadzi inoshandiswa pakuzvara. Nhengo iyi ndiwo muronga unobuda nemwana achibva muchibereko achizobuda kunze.

Pakutaura kwemazuva ose nhengo iyi chimwe chikamu chembutu kana kuti beche. Muchinyorwa chino muchashandiswa zita rokuti mbutu nokuti ndiro rinenge rine chiremera.Rimwe Zita rembutu rinonzi nyini kana Kuti gambi. Kuti tinatse kunzwisisa tinofanirwa kutsanangudza chimiro chayo mbutu yose.varume ndiyo nhengo yavanoda pamukadzi nekuti inozipa nekuvaraidza.

Chimiro cheMbutu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mbutu dzinosiyana siyana, mamwe makuru uye mamwe madoko. Nhengo iyi iri muhudyu panosangana makumbo pakati pawo. Mbutu ine zvikamu zviri kunze nezvikamu zviri mukati memuviri. Mbutu ine maburi maviri anoti reweti nerekuzvara. Kana mukadzi akamira kunze kunoonekwa hwabvu hunovhara zvichibva kuzvidya kunosvika pamutsemu uri pakati.

Pakavhariridzwa nehwabvu nechekuzasi panowanikwa buri rekuzvara. Iri buri rinopinda mukati richizonobatana nechibereko. Pakati pemukana nechibereko pane mhasuru inonzi cervix inosunga kuzasi kwechibereko kuchengetedza mwana mukati.

Mbutu iri pedyo nemukosho rinova buri rinoburitsa dhodhi. Madzimai vanofanirwa kuchenjera kuzadza Mbutu yavo matuzvi pakupisika sezvo. Murawu wokupukuta kwemadzimai unoti vanofanirwa kupukuta tsvina zvichibva mberi kuenda shure kuti tsvina isapinda kumberi. Izvi zvinodzivirira hutachiona huri mutsvina yemunhu kuti husapinda mberi.

Kuumbwa kweMbutu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Hwabvu

Kunze kwayo mbutu ine zvipika zviviri zvingadaidzwa kuti hwabvu kana kuti miromo - labia kuEnglish. Kunoita hwabvu hukobvu kwoitawo hwabvu hutete. Shoko rokuti hwabvu rinobva kuChiKorekore richireva kuti miromo - lips.

Hwabvu hukobvu (labia majora) ndihwo hunovhariridza kunze kwayo mbutu kunova kunoonekwa nokunze. Hwabvu uhwu hunobva kuzvidya kusvika nepakati pane mukoronga kana kuti mutsemu. Pamusoro pehwabvu uhwu ndipo panokura choya kana kuti mavhudzi. Hwabvu hukobvu hunopendera pamukoronga pahunoshanduka kuva nyama tsvuku isina choya.

Hwabvu hutete (labia minora) ndizvo zvinzeve kana kuti mipendero iri mukati mehwabvu hukobvu. Hwabvu uhwu hunotangira nechekumusoro kune kabhinzi (gongo) huchinosvika zasi kune buri rekuzvara. Sekutaura kunoita zita racho, hwabvu hutete hudiki pane hwabvu hukobvu. Uhwu hwabvu hutete ndihwo hunoti mamwe madzimai echitema vanoda kutanya kana kudhonza kuti hurebe kuita matinji.

Gongo

Pakati panosangana hwabvu hutete nechekumusoro pane kanyama kadiki kangaenzane nenyemba kukura. Mukutaura kwemazuva ose vamwe vanokati kabhinzi. Kanyama aka ndiko kanodanwa kunzi gongo. Kanyama aka kanoshandawo kuwedzera kuzipirwa kwemukadzi panguva yokunge agara nomurume wake pabonde. Kanyama aka kane zvitape (Nerves) zvinotapa kuzipa panguva yokurarana kwemurume nemukadzi. Kane simba rokugona kusvitsa mudzimai pakuchemerera kana kachinge kapuruzirwa nenzira inofadza.

Mukana

Mukana ndiro buri rekuzvara naro rinova ndiro rinopinda nenhengo yemurume panguva yebonde. Buri rekuzvara rinopinda mukati mumuviri richikwira nemuteremuko ungaita 45o. Kwaunoperera mukana uyu kunovharwa nerhingi yemhasuru inodaidzwa kuti cervix kuEnglish. Mukana wakaumbiridzwa nenyama dzinotatamuka panguva yokuzvara uye panguva yebonde.

Mabasa eMbutu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kuzvara

Nguva ichinge yakwana yokuti mwana ari munhumbu achibuda, nhengo iyi ndiyo inovamukana (vaginal canal) mwana anobuda nawo achibva muchibereko achibuda kunze. Nyama dzemukana dzinotatamuka kuti mwana akwanise kubuda kuna mai vake.

Kuburitsa Zvemuchibereko

Mukana ndiwo zvakare unoshanda kubuditsa ropa panguva yokunge mukadzi ari kumwedzi uye dzimwe mvura (secretions & discharges) dzose dzinobva muchibereko dzinobuda nomukana uyu.

Kutamba paBonde

Panguva yokunge murume nemudzimai vagara vose pabonde, mboro yomurume inopinda pamukana. Imo munhengo iyi mune nyama dzinotapidzwa nokuzipa kwenguva yokunge murume nomukadzi vapindana pabonde. Panguva iyi zvakare mukana unotatamuka kutambira nhengo yemurume. pane tudzihwa tunotsatsadzirwa kana mudzimai azipirwa tunobatsira kuti nhengo yomurume ibude nokupinda zviri nyore pasina kurwadziwa.