Duwo

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMuduvu)


Izwi rokuti duwo, duo kana duvu (fish trap in English) rinoreva chiumbwa chinorukwa nemiti chinoshandiswa kuteya hove murwizi kana dziva.

Duwo rinogdzirwa rakaita chiumbwa chegaba rakavharika rimwe divi. Kune rimwe divi kunorukirwa charaka chinoti hwaro hwacho huri kunze, chisuvi chakavhurika chiri mukati. Duwo rinokandwa murwizi rosungirwa pahoko kana muti uri kumahombekombe erwizi. Tarisiro ndeyekuti hove inopinda muduwo nekuhwaro hwecharaka. Kana hove ichinge yapinda muduwo seizvi kubuda kunenge kwonetsa nokuda kwokuti charaka chine chisuvi chakamanika chakashama nhambwe diki zvichienzaniswa nehwaro hwacho.

Muteyi wehove anopota achiuya kuzotarisa duwo rake kuti rabata here.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Musikana idziva asvika anokanda duo. A girl is like a pool, any passer-by can cast a fish trap.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mbukushu vanoti thikuku (n. fishing basket).