Mukova (pokupinda)

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMikova (pokupinda))

Mukova (Port of Entry kuEnglish) inzvimbo inopindwa nayo nevanhu pamwe nenhumbi kana vachipinda kana kubuda munyika. Takatarisana nehushangazhi, mukova inzvimbo yakatenderwa pamutemo wenyika kuti ipindwe nayo nevanhu kana nhumbi. Pamitemo yenyika pamukova ndipo chete panotenderwa kupinda kwevanhu nenhumbi

Mhando dzeMikova[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mukova unogona kuva pamuganhu wenyika kana kuva mukati menyika.

  • Mikova iri pamiganhu yenyika yeZimbabwe anosanganisira: Beitbridge; Plumtree; Kazungula; Kariba; Chirundu; Nyamapanda; Forbes zvichingodaro. Mikova iyi inobatanidza Zimbabwe nenyika dzakaipoteredza dzinoti: Mozambique; South Africa; Botswana; Namibia; neZambia.
  • Mikova iri mukati menyika inosanganisira: Harare Airport; Joshua Nkomo Airport neVictoria Falls Airport; iyi mikova yendege. Panzvimbo idzi ndipo panopinda napo vanhu nezvinhu zviri kuuya nendege.
  • Nyika dzine miganhu negungwa dzinoitawo mikova ari pamahombekombe egungwa. Somuenzaniso Mozambique ine mikova inoti: Maputo; Beira neNampula. South Africa ine mikova inoti: Durban; Cape Town neRichards Bay.
  • Mukova weBeitbridge ndiwo unopinda nenhumbi dzakawanda kunyanya muZimbabwe. Mukova weVictoria Falls unobatanidza nyika dzinoti Zimbabwe, Zambia neNamibia paCaprivi Strip.

Mabasa epaMukova[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kuchengetedza mitemo yenyika.
  • Kutendera nokudzivisa kupinda kwenhumbi zvichitevedza mitemo yenyika.
  • Kutendera nokudzivisa kupinda kwevanhu zvichitevedza mitemo yenyika.
  • Kutambira mitero inobhadharwa pakupinda kwenhumbi nevanhu munyika yeZimbabwe.
  • Pamasuwo pane zvakagadzirwa kutura mitoro yakasiyana inofambiswa nezvikepe nemota huru dzemagonyeti. Izvi zvinosanganisira macrane nemaforklift.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mang'anja vanoti mturukiro (way of exit) kureva kwekubudira. Zvichibva pakuti turuka zvichireva kubuda.