Mhiko

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Mhiko (vows) zvinoreva zvitsidzo zvinoitwa pakati pevanhu vari kuwirirana kufamba kana kubata vese pane chinhu chiri kutaurwa nezvacho. Mhiko dzinonyanya kutaurwa imhiko dzemuchato asi kune dzimwewo mhando dzemhiko dzinoitwa.

  • Vabati vakuru vehurumende vanoita mhiko kunyika dzavo kana vachitanga kupinda pazvigaro.
  • Vatungamiri venyika vanoitawo mhiko kana vachitanga kupinda pachigaro.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaChewa vanoti lumbila (to swear, to vow, confirm with an oath).
  • VaChewa vanoti chilanga (a promise, a covenant) vachireva chitsidzo.
  • VaKongo vanoti xila (v. to promise, engage, destine) vachireva kuita chitsidzo kana kutsidza.
  • VaGanda vanoti kirairo (a vow, an oath) vachireva chiraviro.
  • VaGanda vanoti tusa (to fullfil a promise etc) vachireva kuzadzisa chiraviro.
  • VaLungu vanoti ukulaya (to promise) kureva kurayira.