Marwadzo

Kubva Wikipedia

Marwadzo (pain in English) zvinoreva izvo zvinonzwikwa panyama yemunhu kana chimwe chipenyu, zvinova zvinoenderana nokukuvadzwa kwemuviri kungadaro kwatoitika kana kuti kwaigona kuzoitika. Marwadzo anonzwikwa apo munhu anenge arohwa, abayiwa netsono, achitemwa nemusoro kana kurwra nezvimwewo zvirwere.

Marwadzo anotaurwawo zvakare pazvinhu zvinonzwikwa pamoyo kana pfungwa dzomunhu, sokuti munhu afirwa neumwe wake anoti ndarwadziwa.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • -konza. (Ache, pain). Ndiri kukonzwa: I am in pain. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mukonzo?
  • Kudzimba apa kureva kurwadziwa. Unodzimbikana nei mudiwa wangu? - what are you suffering from my darling?
  • Kumonyongwa (Suffer pains of child birth) kana kupfumbwa zvinotaurwa pamarwadzo ekuzvara mwana.

ChiBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]