Kuzivira
Mataridziko
Kuzivira, kudowera kana kurovera (accustom, acclimatize) anoreva kujaira kwekunge munhu akaita chinhu kwenguva refu kana akachita kazhinji.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Pokutanga handina kufaranuka nokugara mudhorobha, asi ndadowera zvino.
- Mwana uyu akadowera chaizvo. Apa richireva kuti mwana uyu ane musikanzwa, akajaidzwa.
Mamwe mazwi anotodzana
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kurovedzwa (to train, cause to get accustomed to) zvichireva kudzidziswa kana kujaidzwa.
- Kurovera, kudowedza kana kurovedza (to be or get accustomed to; used to).
- Kurovedzana (to accustom to each other).
- Kurovedzera (to cause to be accustomed to).
- Kuzivira kana kujaira.
Mazwi eBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaTonga vanoti kuzibila (to be accustomed) kureva kuzivira. Venda inoti ndowera (get used to me)
- Zigula inoti kuzowera (be accustomed to). VaZigula vanoti kuzowerwa (be renowned; be well known).
- Lunyoro inoti -manyire kana manyira (to be used to). VaShambala vanoti mazowera (n. habits).
- Lozi inoti tapa (v.i. to become tame, easy to manage; to be trained).
- Kimbundu inoti kujirila (v. tend, get used to). Mamwe mazwi: kujirisa (v. get used to, spend, end up, consume).
- VaBemba inoti belela (v. acclimatize) kureva kudowera.