Kutyora
Shoko rokuti (breaking long stiff object) kutyora rinoshandiswa kutsangura kudimbura chinhu chikukutu uye chakareba. Zvinhu zvinotaurwa kutyorwa zvinosanganisira muti, nzimbe, mapfupa zvichingodaro. Chinhu chinotyorwa nekukombamisa.
Kuvhuna kana kuvhunika (to break e.g. a leg or the law; break or snap off a stick or branch).
- Kuvhunanya ( break into many pieces).
Chirevo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Mwana waNzou akakwirirwa kudare raSabhuku nemhosva yekutyora gumbo romwanasikana waBangamuseve.
Mazwi eBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Mururimi rweChewa vanoti chola (to break something across, as a stick) kureva kutyora.
- Mururimi rweChewa vanoti choka (to be broken or separated, hence to go away or depart).
- Mururimi rweKizigua neLugwere vanoti kuvunika (to break; get broken; fracture) kureva kutyora kana kuvhunika
- VaGwere vanoti kuvuna (v. break, crack) vachireva kuvhuna..
- VaLenje vanoti kutyoka (Break, be broken, snap - of something hard, brittle) vachireva kutyoka.