Kutsinhanisa

Kubva Wikipedia

Kutsinhanisa (kureva "exchange; to exchange") kana kutsinha rinoreva kupesana kwenhumbi dzirikutengeswa nemari, kana kupesana kwenhumbi dziri kutengeswa nedzimwe nhumbi dziri kutengeswa. Apa nenhumbi nenhumbi kana nhumbi nemari zvinenge zviine hukoshi hwakaenzana. Paya munhu anotenga chingwa kuchitoro tingati pane kutenderana kuti chingwa nemari yapiwa zvakakosha zvakaenzana.

Rimwe shoko nderokuti Kutsinhana zvichireva kustinhanisa zvinhu, nhumbi kana mari.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

MuBhaibheri kubhuku raLeviticus chitsauko 27 ndima ya 33 panotaurwa kuvaLevi kuti:

  • Haafaniri kucherechedza kuti chakanaka kana kuti chakaipa, kana kuchitsinhanisa nechimwe; kana achinge atsinhanisa nechimwe zvose zviri zviviri, icho nechatsinhaniswa, zvichava zvitsvene; hazvingadzikinurwe.
  • KuEnglish zvonzi, "He shall not inquire whether it is good or bad, nor shall he exchange it; and if he exchanges it at all, then the one exchanged for it shall be holy; it shall not be redeemed."
  • Ndima iyi yaitaura pamusoro pekutsinhanisa zvipfuyo zvinenge zvaverengwa kuti chikamu chaifanirwa kuripwa kuchegumi. Apa kutsinhanisa kwaireva exchanging kuEnglish.

Mitauro ye Chibantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ringai zve:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]