Kunamata Mwari

From Wikipedia
(Redirected from Kushimanda)
Jump to navigation Jump to search

Shoko rokuti kunamata rinotaura mabasa ose anoitwa nevanhu nechinangwa chekuyanana naMwari kana kufadza musiki.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • Kunyengetera kana kudetembura (beseech; plead) zvinoreva kukumbirisa nomoyo unorevesa kuna Mwari.
  • Kutetedzera kana kutetezera (to pray).
  • Kushimanda ishoko rinoshandiswa zvikuru nevanhu vechidiki vanopinda Kereke dzinotenda kuna Mweya Mutsvene uye dzichitaura nendimi dzaMweya Mutsvene. Shoko iri rinoreva kunamata, zvikurusei kunamata nendimi. Shoko iri rinoshandiswa kunyanya nevechidiki asi rave kupinda pakutaurwa nemafundisi zvakare.
  • Kupota (to offer supplication; to implore, plead).
  • Kuirikidza (to give glory to; to honour; to commend).

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaTaita vanoti kulombela (plead for) kureva kuti ndapota kana kupota. Mamwe mazwi: kulomba (pray, prayer) kureva kunamata kana kupota.
  • Baila vanoti ku komba (to pray) kureva kunamata. Mamwe mazwi: ku kombela (to pray to) kureva kunamata kuna.
  • Kimbundu vanoti kulomba (v. to pray). Mamwe mazwi: kulombela (pray for).
  • Kinande vanoti obusike (the glory, the weight). Mamwe mazwi: erisika (v. to glorify).