Mweya Mutsvene

Kubva Wikipedia

Mweya Mutsvene muchitendero cheUkristu ishoko rinoshandiswa kureva mweya waMwari uyo anenge ari Mwari ari kubata panyika kune vakatenda kuna Jesu Kristu. Mweya Mutsvene uyu haaonekwe nemaziso asi vanotenda vanomuziva kuburikidza nemabasa ake mavari.

Bhaibheri rinoonesa kuti Mweya Mutsvene akanga aripo kubvira pakutanga apo panonzi muna Genesis 1 verse 2 'Mweya waMwari wakanga achigara pamusoro pemvura'. Zvakare kuTestamende Yekare Mweya Mutsvene anoonekwa achibata kuburikidza neavo vaiProfita.

Mabasa aMweya Mutsvene[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mabasa anoitwa naMweya Mutsvene anosanganisira:

  • Kudzidzisa Shoko raMwari.
  • Kuyeuchidza Shoko raMwari nekururama kwake.
  • Kuzivisa vatendi pfungwa dzaMwari neizvo zviri kuitwa kana kuti zvichaitwa naMwari.
  • Kubata muvatendi kuburikidza nezvipo zvaMweya Mutsvene.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kimbundu vanoti -tumbuluka (supernatural).