Kusendekera

Kubva Wikipedia

Kusendekera izvi iri harisati rawanikwa kuti rinorevei? Tichitarisa mazwi anobva kuVaLozi izwi iri rinenge rinoreva kutaura nechibhende.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kune rwiyo rwakaimbwa nguva yeHondo yeChimurenga rwainzi Sendekera Mukoma Chakanyuka. Rwiyo urwu rwaiti:

Sendekera Mukoma Chakanyuka
Taura tinzweka Mukoma Chakanyuka
Ndizvozvoka Mukoma Chakanyuka
Sendekera Mukoma Chakanyuka

  • Zvichida rwiyo uyu rwairevera kuti mukoma Chakanyuka vataure vachibhendeka kuitira kuti muvengi weChirungu asanzwa.

Mazwi eBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaLozi vanoti -shendekela (v.t. to speak ironically to someone).
  • VaLozi vanoti mashendekela kana mashendekala (n. irony, sarcasm) kureva chibhende.