Kupenga

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Shoko rokuti kupenga (madness) rinoreva munhu ataika pfungwa asisafungi sezvinotarisirwa - imwe nguva anobvotomoka, kurwisa vanhu, kana kuswerofamba nenyika. Asi vanhu vanopenga nenzira dzakasiyana.

  • Bemvu kana bengo (a lunatic, a madman) zvinotaura munhu anopenga.
  • Benzi (idiot, fool) zvinosiyana nebengo.
  • Benzi chikwinya (complete fool).
  • Izwi rokuti chi zhema (fool; idiot) rinotaurwa kuKalanga richireva benzi. Chizema izita remhuri.
  • kanyata kana zhukutu (ideophone of Being depressed despondent, low-spirited).

Tsumo[chinja | edit source]

  • Unodembwa ndewanyengerwa kamwe, wanyengerwa kaviri ibenzi.
  • Benzi bvunza rakanaka. An inquiring fool is a good one.

Kuumba Mazwi[chinja | edit source]

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaLenje vanoti penga (be distressed, depressed, suffer pain or sorrow) vachireva kupenga?.
  • VaHerero vanoti vera (insane) vachireva kupenga.
  • VaHerero vanoti oku-vera (insanity, madness, crazy) vachireva kupenga.
  • Vatauri veLunyoro vanoti mugwagwa (a follish half-witted person) vachireva rema.
  • VaNyoro vanoti ekipungu (n. idiot) kureva rema.
  • VaTonga vanoti ciyanga (n. fool) kureva rema.