Kupakata

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Kupakata (to carry anything under the arm) zvinoreva kutakura chinhu pasi pehapwa neruwoko.

  • Mhakatirwa kureva zvinhu zvakapakatirwa. Shoko iri rinokwanisa kureva zvinhu zvichakabatirirwa zvaifanirwa kunge zvakasiiwa kana kutsvetwa pasi - sokuti kana munhu atendeuka ave kunamata haafaniri kuramba akapakatira chivi.

Tsumo[chinja | edit source]

  • Kunzi dzipakate sandi kunzi dziridze.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Baila vanoti ku pakata (to carry anything under the arm) kureva kupakata.
  • MaZulu vanoti ukuphakhata (bear 2 or more cobs on the same stalk of mealies) vachireva kuita miguri miviri padzinde rimwe.
  • VaVenda vanoti -pakata (bear 2 or more cobs of maize), kupakata miguri. VaGungu vanoti kuhagatira (v. sprout or bear maize cobs).