Kukorobha

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti kukorobha (Mopping floor in English) rinoreva kuchenesa pasi mumba kuchishandiswa jira rakanyoroveswa nemvura ine sipo kana kuti mopu. Mumba munokorobhewa kuiitira kubvisa tsvina inonamira inodaro isina kubviswa nemutsvairo.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Aaah manje wati ndingabhadhare mazimari akawanda kudaro kuti wakorobha dhamu here? Apa panenge pari kutaurwa kuti mari iri kurehwa nemushandi yawandisa haienderane nebasa rashandwa.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Barotse vanoti -kolopa (to scrub, to polish floor) kureva kukorobha. Mamwe Mazwi: mukolopi (n. scrubber - from: -kolopa) kureva munhu anokorobha.
  • Basotho vanoti ho koloba (to become wet) vachireva kutota. Basotho vanoti ho kolobisa (to wet) vachireva kutotesa.
  • VaBemba vanoti kolopa kana pukusa (v. scrub) kureva kukorobha.
  • VaVenda vanoti -koropa (v. scrub. From Afrikaans: skrop) kureva kukorobha.