Kugera

Kubva Wikipedia

Kugera (shaving or cutting hair) zvinoreva kucheka vhudzi riri pamuviri. Vanogera vanoshandisa chigero kana muchina wekugera kana rheza. Munhu anokwanisa kuzvigera ega kana achishandisa muchina wekugera asi kana yava rheza kana chigero zvinonetsa kuti munhu uzvigere nenzira inosara yakatsvinda.

Vatauri mune mamwe matunhu vanodana chigero kuti tizora - izwi rokuti tizora rinobva kuchiPortuguese chinoti tesoura. Wacho anogera anonzi mugeri, mugusi, muveuri, mutsenguri kana mugundi.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Matsotsi haagerane. Kureva kuti pamtsotsi haabirane nokuti vanozivana maitiro avo.

Mhando dzemagererwo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Bhibho kana zhumu
  • Chidhongo (Very small tuft of hair left above forehead) karusarira kevhudzi kasara kasina kugerwa kari panhongonya uye kari kadiki pane zhumu.
  • Zuda, muparavara, mbaravara kana mupara zvinoreva kuveurwa vhudzi rose nechisvo kana chigero chemugeri.
  • Kunyodzora zvinoreva kugera uchisiya vhudzi risina kuenzana, riine madzvanga akagereswa nepamwe pakarakareba.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Heya baravara ndiwo mugariro, kutuka mwene wechisvo ndiwo mano? (Do you think) that the shaved head stays permanently shaved and to scold the owner of the razor is wise?

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti isikele kana izikele (Akrikaans: skeer) kureva chigero.
  • MaZulu vanoti ukugunda (Cut, shear, mow, clip) kureva kugunda. Mamwe mazwi: umgundi (barber, hair-cutter).
  • Giryama vanoti munyozi kana munyoli (n. barber) kureva mugeri. VaTaabwa vanoti kusesa (v. cut hair).