Kuenzana chikero

Kubva Wikipedia

Kuenzana chikero (Equilibrium kuEnglish) zvinoreva kuti:

  • Mupimo iri kutariswa kumativi ari kufananidzwa inenge yakaenzana.
  • Mupimo iri kutariswa inobata ichinanga nerudzivo rwakapesana.
  • Hapana chinoshanduka pakumira kwezviri munharaunda iri kutariswa nyangwe zvazvo paine shishi rokufamba kwezvinhu.


Muenzaniso yokuenzana kwechikero ndeiyi:


Huwandu hweVanhu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kana huwandu hwevanhu vari kuzvarwa panyika nehuwandu hwevanhu vari kufa panyika hwakaenzana hapana kushanduka kuripo pakuwanda kwevanhu vari panyika.
  • Hongu vanhu vanenge vari mushishi rokuzvara asi kune rimwe divi vamwe vari kufa nehuwandu hwakaenzana.
  • Pakadai panonzi pane kuenzana chikero takatarisa huwandu hwevanhu, kufa nekuzvarwa kwevanhu.


Mvura pakuGwamba[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Magodo emvura akadziyiswa anotanga kunyauka kana hujoto hwasvika 0oC pachionekwa mutuvi wemvura zvose nemagodo.
  • Izvi zvoreva kuti apo mvura inenge iri pahujoto 0oC: mutuvi wemvura unoshanduka kuva magodo; panguva imwe chete magodo anenge achishanduka kuva mutuvi wemvura.
  • Panguva iyi muvandu unoshandura magodo kuita mutuvi nemuvandu unoshandura mutuvi kuita magodo zvinoenzana pakuitika kwazvo pasina chinokasira kudarika chimwe.
  • Pahujoto 0oC pane kuenzana chikero nokuti kumhanya kwemuvandu wemvura unoenda mberi kwakafanana nekumhanya kwemuvandu unodzoka shure .


Nekumwe kutaura tingati “Equilibrium” kugadzikana kwezvinhu zviri pazviri pasina chinoshanduka. Asi kugadzikana uku hakuereve kuti hapana chiri kuitika. Zvinoreva chete kuti zviri kuitika zviri kupikisana rudzivo rwazvakanga uye nehuwandu hwakaenzana. Nokudaro hapana divi rinokurira rimwe saka hapanawo chinoshanduka.