Kudzitirwa kwezuva

Kubva Wikipedia
Kudzitirwa kwezuva musi waMay 20, 2012

Kudzitirwa kwezuva (Eclipse of the Sun) kunoitika kana mwedzi uri pakati pezuva neRinopasi zvose zvakanangana zviri pamutsetse wakati twasa. Chinoitika ndechekuti mirazvo yezuva inodzikatidzwa nemwedzi yotadza kusvika panyika pane Rinopasi. Nzvimbo dzinenge dzaitika izvi dzinoita rima kunze kugotanga kutonhorera, shiri dzoenda kunovata dzichiti kwadoka.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti kudzitirwa (Screened; overshadowed; eclipsed; hidden) rinotaura kuvhariridzwa kwechinhu chinosionekwa nokuda kwechimwe chapinda pakati pemucherechedzi nechinhu chekutanga. Saka pamuenzaniso uri pano zuva rinodzitirwa nemwedzi kana mwedzi uchinge wamira pakati pezuva neRinopasi zvichikonzera kuti maranzi ezuva asasvika kune Rinopasi.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti sitha (Screen from view, intercept; hide from light, shade; get in the way) vachireva kudzitira.
  • MaZulu vanoti ukusithwa kwenyanga (the eclipse of the moon) vachireva kudzitirwa kwemwedzi.
  • MaZulu vanoti ilisitha kana amasitha (n. Seclusion; private place.).