Kudzitirwa kwemwedzi

Kubva Wikipedia


Kudzitirwa kwemwedzi musi waOctober 8, 2014

Kudzitirwa kwemwedzi (eclipse of the moon) zvinoreva kuvhariridzwa kwemwedzi kunoitika kana zuva, Rinopasi, nemwedzi zvanangana zviri pamutsetse wakati twasa; apa Rinopasi rinenge riri pakati pezuva nemwedzi. Chinoitika ndechekuti mwedzi unenge usisa tambire chiedza chinobva kuzuva, chinova icho chinoonekwa sechadzera pakupenya kwemwedzi manheru. Kana zvadaro mwedzi unoenda murima kwechinguvana, kusvika mitumbi mitatu iyi yapesana pasisina kuvharidzirwa kwechiedza chinobva kuzuva chinoita chadzera chinopenyesa mwedzi.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti kudzitirwa (Screened; overshadowed; eclipsed; hidden) rinotaura kuvhariridzwa kwechinhu chinosionekwa nokuda kwechimwe chapinda pakati pemucherechedzi nechinhu chekutanga. Saka pamuenzaniso uri pano mwedzi unodzitirwa neRinopasi kana Rinopasi richinge rapinda pakati pezuva nemwedzi zvichikonzera kuti maranzi ezuva asasvika kumwedzi; izvi zvoreva kuti chadzera chezuva chinosionekwa pamwedzi hachichaonekwe.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti sitha (Screen from view, intercept; hide from light, shade; get in the way) vachireva kudzitira.
  • MaZulu vanoti ukusithwa kwenyanga (the eclipse of the moon) vachireva kudzitwa kwemwedzi kana kudzitirwa kwemwedzi.
  • MaZulu vanoti sithibala (n. Be overcast, clouded over). Muenzaniso: Lisithibele namhlanje (It is overcast to-day) vachireva kwakakwidibira nhasi.
  • MaZulu vanoti ilisitha kana amasitha (n. Seclusion; private place.).