Hwananyina

Kubva Wikipedia

Mazwi okuti hwanan'ina kana hwananyina rinodudza hukama huripo pakati pevanhu kuburikidza nana mai vakavabereka vanenge vari mukoma nemunin'ina.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ngatitii tina Sarudzai naSesedzai vasikana vaviri vakasiyirana zamu, vakaberekwa naAmai vamwe. Tochiti Sarudzai akazvara mukomana anonzi Simukai; uyuwo Sesedzai akazvara musikana anonzi Fadzai.
  • Hukama huripo pakati paSimukai naFadzai ndewekuti ihanzvadzi nehanzvadzi. Simukai naFadzai ihanzvadzi hwanan'ina nokuti ana amai vavo mukoma nemunin'ina.
  • Kumatunhu mazhinji Simukai haadyi pfuma yakaroora Fadzai nokuti hukama hwavo hwananyina.

Hwanan'ina Pakuroora[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ngatitii varume vaviri mukoma nemunin'ina Tafara naTongai vakaroora. Madzimai maviri akaroorwa nevarume vane hukama hunonzi vakadzin'ina. Mukutaura kwemazuvaose vangadaidzana kuti maiguru naamainini asiwo hukama huri pakati pavo ndihwo hwanan'ina kana kuti hukadzin'ina.
  • Ava vakadzi vaviri havana hukama hwokuti vangagarirana nhaka kana mumwe achinge afa nokuti havana hukama hweropa remadzibaba avo.
  • Ngatitii vakadzi vaviri mukoma nemunin'ina Chipo naChido vakaroorwa. Varume vaviri vakaroora vakadzi ava vane hukama hunonzi vakuwashan'ina. Mukutaura kwemazuvaose vangadaidzana kuti babamukuru nababamudiki asiwo hukama huri pakati pavo ndihwo hwanan'ina kana kuti hukuwashan'ina.
  • Ava varume vaviri havana hukama hwokuti vangagarirana nhaka kana mumwe achinge afa nokuti havana hukama hweropa remadzibaba avo.

Mitauro ye Afrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaMambwe vanoti chinanyina (cousins (but children of the sisters) kureva vana vakazvarwa nana Amai vemhuri imwe.
  • VaNyungwe vanoti m'bale kana abale pakuwanda (sibling; brother or sister) kureva mwana wababa kana Amai vako.
  • VaNyoro vanoti wanyina (n. a brother or sister) kureva hanzvadzi, mukoma kana munin'ina.
  • BaRonga vanoti makwezru kana vakwezru (n. sibling). Vanoti kuzruma (v. send) vachireva kutuma.
  • Dinka inoti nyin (n. kind; like another).