Vakadzin'ina

Kubva Wikipedia

Izwi rokuti vakadzin'ina rinoreva vakadzi vaviri vokuti pavakaroorwa varume vavo mukoma nomunin'ina. Shoko rokuti n'ina rinoreva Amai; ndiro shoko rimwe rinoshandiswa mutsumo yokuti "Mbudzi kudya mufenje hufanan'ina.


Ngatitii varume vaviri mukoma nemunin'ina Tafara naTongai vakaroora. Madzimai maviri akaroorwa nevarume vaviri ava vanenge vane hukama hunonzi hukadzin'ina. Mukutaura kwemazuvaose vangadaidzana kuti maiguru naamainini asiwo hukama huri pakati pavo ndihwo hwanan'ina kana kuti hukadzin'ina.

Ava vakadzi vaviri havana hukama hwokuti vangagarirana nhaka kana mumwe achinge afa. Hazvigone kuti mumwe wevakadzi ava ave chigaramapfihwa muimba yomumwe kunyangwe kuri kunzi anga asina kuroorwa nokuti vaviri havana hukama hweropa remadzibaba avo kwavakaberekwa.


Mhando yehukama uhwu iri pamupanda yehukama hunonzi hwanan'ina.